Ezekiel 8:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo akati kwandiri: Mŋanakomana womunhu, rinzira meso ako kurutiʋi rwokumsoro. Ipapo ndakariŋgira meso aŋgu kurutiʋi rwokumsoro, ndikaʋona kurutiʋi rwokumsoro rwesuʋo reartari cifananidzo ici cegoɗo cimire panopindwa napo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, tarira kumusoro.” Naizvozvo ndakatarisa, uye pamukova wokumusoro kwesuo rearitari ndakaona chifananidzo ichi chegodo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akanditi, “Iwe mwanakomana womunhu simudza musoro wakatarisa kuchamhembe.” Saizvozvo ndakasimudza musoro ndakatarisa kuchamhembe, onei kuchamhembe kweSuo Guru rokuAtari pamusuo pakanga paine chimufananidzo chiya chokunamata cheshanje.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, rinzira meso ako kurutivi rwokumusoro.” Ipapo ndakaringira meso angu kurutivi rwokumusoro, ndikaona kurutivi rwokumusoro rwesuo rearitari chifananidzo ichi chegodo chimire panopindwa napo.
Shona 2009?
Ipapo akati kwandiri, "Mwanakomana womunhu, rinzira meso ako kurutivi rwokumusoro." Ipapo ndakaringira meso angu kurutivi rwokumusoro, ndikaona kurutivi rwokumusoro rwesuo rearitari chifananidzo ichi chegodo chimire panopindwa napo.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, ratidza meso ako kurutivi rwokumusoro.” Ipapo ndakaringira meso angu kurutivi rwokumusoro, ndikaona kurutivi rwokumusoro rwesuwo reatari chifananidzo ichi chegodo chimire panopindwa napo.