Ezekiel 8:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kwandiri: Mŋanakomana womunhu, unoʋona ɀaʋanoita here? Iɀo ɀinonyaŋgadza ɀikuru ɀinoitwa pano neimba yaIsraeri, kuti ini ndibve ndiende kure nenɀimbo yaŋgu tȿene here? Asi ucaʋona ɀe ɀimŋe ɀinonyaŋgadza ɀikuru.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, unoona zvavari kuita here, izvo zvinhu zvinonyangadza chose zvinoitwa neimba yaIsraeri pano, zvinhu zvichandiisa kure neimba yangu tsvene? Asika, uchaona zvimwe zvinhu zvinonyangadza kwazvo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akanditi, “Iwe mwanakomana womunhu, uri kuona here zvavari kuita izvi zvinondisemesa kwazvo zviri kuitwa muno nemba yaIsiraeri? Vari kuzviitira here kuti vanditandanisire kure neNzvimbo yangu Inoera? Uchatoona zvinosemesa kwazvo kupinda izvozvi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, unoona zvavanoita here? Izvo zvinonyangadza zvikuru zvinoitwa pano neimba yaIsiraeri, kuti ini ndibve ndiende kure nenzvimbo yangu tsvene here? Asi uchaonazve zvimwe zvinonyangadza zvikuru.”
Shona 2009?
Akati kwandiri, "Mwanakomana womunhu, unoona zvavanoita here? Izvo zvinonyangadza zvikuru zvinoitwa pano neimba yaIsiraeri, kuti ini ndibve ndiende kure nenzvimbo yangu tsvene here? Asi uchaonazve zvimwe zvinonyangadza zvikuru."
Shona SUB 2002 Bible
Akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, unoona zvavanoita here? Izvo zvinonyangadza zvikuru zvinoitwa pano neimba yaIsiraeri, kuti ini ndibve ndiende kure nenzvimbo yangu tsvene here? Asi uchaonazve zvimwe zvinonyangadza zvikuru.”