Ezekiel 9:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino tarira, murume wakaŋga akafuka muceka, wakaŋga anorunyaŋga rweiŋgi paciʋuno cake, wakadzoka neshoko, akati: Ndaita seɀamakandiraira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo murume uya akanga akapfeka mucheka werineni ane zvokunyoresa parutivi pake akadzoka neshoko, achiti, “Ndaita sezvamakarayira.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hezvo munhu uya akanga akapfeka rineni aine kaguchu keingi parutivi akadzoka neshoko achiti, “Ndaita sezvamandiudza.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino tarira, murume akanga akafuka mucheka werineni, akanga anorunyanga rweingi pachiuno chake, akadzoka neshoko, akati, “Ndaita sezvamakandirayira.”
Shona 2009?
Zvino tarira, murume akanga akafuka mucheka werineni, akanga anorunyanga rweingi pachiuno chake, akadzoka neshoko, akati, "Ndaita sezvamakandirayira."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino tarira, murume akanga akafuka mucheka werineni, akanga ano runyanga rweingi pachiuno chake, akadzoka neshoko, akati, “Ndaita sezvamakandirayira.”