Ezekiel 9:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova akati kwaari: Pfuʋura napakati peguta, napakati peJerusarema, uise ciratidzo pahuma dzaʋanhu ʋanogomera nokucema pamsoro peɀinonyaŋgadza ɀose ɀinoitwa mukati maro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
akati kwaari, “Pfuura nomuguta rose reJerusarema uye uise munembo pahuma dzavaya vanotsutsumwa navanochema pamusoro pezvinhu zvinonyangadza zvinoitwa mariri.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo Tenzi akati kwaari, “Enda nomuguta, nomuJerusaremu uise rupao pahuma dzavanhu vanodemba vachidunura pamusana pezvinhu zvose zvinosemesa zviri, kuitwa mariri.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha akati kwaari, “Pfuura napakati peguta, napakati peJerusaremu, uise chiratidzo pahuma dzavanhu vanogomera nokuchema pamusoro pezvinonyangadza zvose zvinoita mukati maro.”
Shona 2009?
Jehovha akati kwaari, "Pfuura napakati peguta, napakati peJerusaremu, uise chiratidzo pahuma dzavanhu vanogomera nokuchema pamusoro pezvinonyangadza zvose zvinoitwa mukati maro."
Shona SUB 2002 Bible
Jehovha akati kwaari, “Pfuura napakati peguta, napakati peJerusaremu, uise chiratidzo pahuma dzavanhu vanogomera nokuchema pamusoro pezvinonyangadza zvose zvinoita mukati maro.”