Ezekiel 9:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kwaʋari: Ȿiɓisai imba, muzadze maʋazhe naʋakaʋurawa; ciɓuɗai. Ʋakaɓuɗa, ʋakaʋuraya muguta.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akati kwavari, “Svibisai temberi muzadze mavazhe navakaurayiwa. Endai!” Naizvozvo vakaenda vakatanga kuuraya muguta rose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndokubva avati, “N'oresai imba iyi muzadze nhandare dzacho navanhu vanenge vaurayiwa. Chiendai!” Saizvozvo vakaenda kundouraya vanhu muguta.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kwavari, “Svibisai imba, muzadze mavanze navakaurawa; chibudai.” Vakabuda, vakauraya muguta.
Shona 2009?
Akati kwavari, "Svibisai imba, muzadze mavanze navakaurawa; chibudai." Vakabuda, vakauraya muguta.
Shona SUB 2002 Bible
Akati kwavari, “Svibisai imba, muzadze mavanze navakaurayiwa; chibudai.” Vakabuda, vakauraya muguta.