Ezra 1:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Aninani wakasara, papi napapi paanogara, ʋarume ʋokwake ŋgaʋamuɓatsire nesirveri, nendarama, nenhumbi, neŋombe, ʋuye neɀipo ɀaʋanopa nokuɀiɗira, kuzoʋaka imba yaMŋari iri paJerusarema.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino vanhu vagere panzvimbo ipi neipi zvayo pagere vakasara vanofanira kumupa sirivha negoridhe, nenhumbi nezvipfuwo, uye vagomupa zvipo zvavanozvidira zvetemberi yaMwari muJerusarema.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mumwe nomumwe akasara ari mupenyu ari kugara munzvimbo ipi neipi zvayo, ngaabatsirwe navanhu venzvimbo yake iyoyo nesirivha nendarama nezvimwe zvinhu nezvipfuwo pamwechete nezvinhu zvemipiro yokupa nechido zvemba yaMwari iri kuJerusaremu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ani naani akasara, papi napapi paanogara, varume vokwake ngavamubatsire nesirivha, nendarama, nenhumbi, nemombe, uye nezvipo zvavanopa nokuzvidira, kuzovaka imba yaMwari iri paJerusaremu.”
Shona 2009?
Ani naani akasara, papi napapi paanogara, varume vokwake ngavamubatsirc nesirivha, nendarama, nenhumbi, nemombe, uye nezvipo zvavanopa nokuzvidira, kuzovaka imba yaMwari iri paJerusaremu."
Shona SUB 2002 Bible
Ani naani akasara, papi napapi paanogara, varume vokwake ngavamubatsire nesirivha, nendarama, nenhumbi, nemombe, uye nezvipo zvavanopa nokuzvidira, kuzovaka imba yaMwari iri paJerusaremu.”