Ezra 1:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aJuda naBenjamini ʋakaɀigadzira, naʋaprista, naʋaRevi, iʋo ʋose ʋakaŋga ʋamutswa mŋeya yaʋo naMŋari, kundoʋaka imba yaJehova yakaŋga iri paJerusarema.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo vakuru vedzimba veJudha neveBhenjamini, navaprista uye navaRevhi, vose avo vakanga vamutswa mwoyo naMwari, vakagadzirira kuenda kundovaka imba yaJehovha muJerusarema.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndopakasimuka vatungamiriri vedzimba dzamadzibaba okwaJudha novokwaBhenjamini navapristi nevaRevhi, nomunhu wose zvake akanga amutswa mwoyo naMwari kuti akwire kundovakazve imba yaTenzi iri kuJerusaremu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo vakuru vedzimba dzamadzibaba aJudha naBhenjamini vakazvigadzira, navapristi, navaRevhi, ivo vose vakanga vamutswa mweya yavo naMwari, kundovaka imba yaJehovha yakanga iri paJerusaremu.
Shona 2009?
Ipapo vakuru vedzimba dzamadzibaba aJudha naBhenjamini vakazvigadzira, navaprista, navaRevhi, ivo vose vakanga vamutswa mweya yavo naMwari, kundovaka imba yaJehovha yakanga iri paJerusaremu.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo vakuru vedzimba dzamadzibaba aJudha naBhenjamini vakazvigadzira, navapristi, navaRevhi, ivo vose vakanga vamutswa mweya yavo naMwari, kundovaka imba yaJehovha yakanga iri paJerusaremu.