Ezra 1:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋuye ʋose ʋakaŋga ʋakaʋapoteredza ʋakasimbisa maʋoko aʋo nemidziyo yesirveri, nendarama, nenhumbi, neŋombe, neɀinhu ɀinokosha, pamŋe cete neɀose ɀaʋakaʋapa nomŋoyo waʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vavakidzani vavo vose vakavabatsira nemidziyo yesirivha negoridhe, nenhumbi nezvipfuwo, uye nezvipo zvinokosha, kuwedzera pamusoro pezvipo zvokuzvidira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vose vaiva munharaunda dzavo vakavabatsira nemidziyo yesirivha nendarama nezvimwe zvinhu nezvipfuwo nezvimwewo zvakakosha tisingaverengeri zvose zvaiti munhu aipawo zvake nechido.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uye vose vakanga vakavapoteredza vakasimbisa maoko avo nemidziyo yesirivha, nendarama, nenhumbi, nemombe, nezvinhu zvinokosha, pamwechete nezvose zvavakapa nomwoyo wavo.
Shona 2009?
Uye vose vakanga vakavapoteredza vakasimbisa maoko avo nemidziyo yesirivha, nendarama, nenhumbi, nemombe, nezvinhu zvinokosha, pamwechete nezvose zvavakapa nomoyo wavo.
Shona SUB 2002 Bible
Uye vose vakanga vakavapoteredza vakasimbisa maoko avo nemidziyo yesirivha, nendarama, nenhumbi, nemombe, nezvinhu zvinokosha, pamwechete nezvose zvavakapa nomwoyo wavo.