Ezra 10:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Ezra wakati acinyeŋgetera, aciɀireʋurura, acicema nokuɀiwisira pasi pamberi peimba yaMŋari, ʋuŋgano huru‐huru yaʋarume naʋakadzi naʋana ʋaʋaIsraeri ʋakaʋuŋgana kwaari; nokuti ʋanhu ʋakacema ɀikuru kwaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ezira paakanga achinyengetera nokureurura, nokuchema achizviwisira pasi pamberi peimba yaMwari, ungano huru huru yavarume, vakadzi navana vavaIsraeri yakaungana paari. Naivowo vakachema zvikuru kwazvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ezira paakanga achinamata achireurura nokuhwihwidza kuchema nokuzvirovera pasi pamberi pemba yaMwari, chita chikuru kwazvo chavarume navakadzi navana chakaungana kwaari chichibva muIsiraeri nokuti vanhu vaichema kwazvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Ezira akati achinyengetera, achizvireurura, achichema nokuzviwisira pasi pamberi peimba yaMwari, ungano huru-huru yavarume navakadzi navana vavaIsiraeri vakaungana kwaari; nokuti vanhu vakachema zvikuru kwazvo.
Shona 2009?
Zvino Ezira akati achinyengetera, achizvireurura, achichema nokuzviwisira pasi pamberi peimba yaMwari, ungano huru-huru yavarume navakadzi navana vavaIsiraeri vakaungana kwaari; nokuti vanhu vakachema zvikuru kwazvo,
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Ezira akati achinyengetera, achizvireurura, achichema nokuzviwisira pasi pamberi peimba yaMwari, ungano huru–huru yavarume navakadzi navana vaVaIsiraeri vakaungana kwaari; nokuti vanhu vakachema zvikuru kwazvo.