Ezra 10:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋatapxa ʋakaita saiɀoɀo. Ezra muprista, naʋamŋe ʋaʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa, ʋakatsaurwa nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, naʋose ʋaʋo namazita aʋo; ʋakaʋuŋgana nezuʋa rokutaŋga romŋedzi wegumi kunɀera cinhu ico.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokudaro vatapwa vakaita zvakanga zvataurwa. Ezira muprista akasarudza varume vakanga vari vakuru vemhuri, mumwe chete kubva kumhuri yamadzibaba avo, uye vose vachizivikanwa namazita avo. Pazuva rokutanga romwedzi wegumi vakagara pasi vakatanga kutonga nyaya idzi,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vokudzoka vaye vokunga vatapwa vachiendeswa kusiri kwavo vaye vakaita saizvozvo. Mupristi Ezira akasarudza varume vatungamiriri vedzimba dzamadzibaba avo imba nemba mumwe nomumwe achidomwa nezita. Pazuva rechiposhi romwedzi wegumi vakagara pasi vakatangisa kuongorora nyaya iyoyi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vatapwa vakaita saizvozvo Ezira mupristi, navamwe vavakuru vedzimba dzamadzibaba, vakatsaurwa nedzimba dzamadzibaba avo, navose vavo namazita avo; vakaungana nezuva rokutanga romwedzi wegumi kunzvera chinhu icho.
Shona 2009?
Vatapwa vakaita saizvozvo Ezira muprista, navamwe vavakuru vedzimba dzamadzibaba, vakatsaurwa nedzimba dzamadzibaba avo, navose vavo namazita avo; vakaungana nezuva rokutanga romwedzi wegumi kunzvera chinhu icho.
Shona SUB 2002 Bible
Vatapwa vakaita saizvozvo Ezira mupristi, navamwe vavakuru vedzimba dzamadzibaba, vakatsaurwa nedzimba dzamadzibaba avo, navose vavo namazita avo; vakaungana nezuva rokutanga romwedzi wegumi kunzvera chinhu icho.