Ezra 10:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakapika noruʋoko rwaʋo, kuti ʋacarega ʋakadzi ʋaʋo; ʋuye, ɀaʋakaŋga ʋanemhoȿa, ʋakaɓayira gondobge ramakwai pamsoro pemhoȿa yaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vose vakapika namaoko avo kuti vachadzinga vakadzi vavo, uye pamhosva dzavo mumwe nomumwe wavo akapa gondohwe kubva pamakwai ake sechipiriso chechivi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakazvisunga nemhiko kuramba vakadzi vavo. Mupiro wokuripa mhosva wavakabvisira mhosva yavo ndowehondohwe yepazvipfuwo zvomudanga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakapika noruoko rwavo, kuti vacharega vakadzi vavo; uye, zvavakanga vane mhosva, vakabayira gondobwe ramakwai pamusoro pemhosva yavo.
Shona 2009?
Vakapika noruoko rwavo, kuti vacharega vakadzi vavo; uye, zvavakanga vane mhosva, vakabayira gondobwe ramakwai pamusoro pemhosva yavo.
Shona SUB 2002 Bible
Vakapika noruoko rwavo, kuti vacharega vakadzi vavo; uye, zvavakanga vane mhosva, vakabayira gondohwe yamakwai pamusoro pemhosva yavo.