Ezra 10:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Shekania mŋanakomana waJehieri, mumŋe waʋanakomana ʋaErami, akapindura, akati kunaEzra: Takatadzira Mŋari weɗu ɀatakawana ʋakadzi ʋatorwa ʋendudzi dzenyika iyi; kunyaŋge ɀakaɗaro ʋaIsraeri ʋacinetariro pamsoro pecinhu ici.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Shekania mwanakomana waJehieri, mumwe wezvizvarwa zvaEramu, akati kuna Ezira, “Takatadzira Mwari wedu nokuwana vakadzi vatorwa kubva kundudzi dzakatipoteredza. Asi kunyange zvakadaro, Israeri ichine tariro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Shekaniya mwanakomana waJehieri wokuvanakomana vokwaEramu akataura kuna Ezira achiti, “Hatina kutendeka kuna Mwari wedu, takaroora vakadzi vechirudzi vendudzi dzomunyika ino. Kunyange zvakadaro zvazvo Isiraeri ichine chitarisiro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Shekania mwanakomana waJehieri, mumwe wavanakomana vaErami, akapindura, akati kuna Ezira, “Takatadzira Mwari wedu zvatakawana vakadzi vatorwa vendudzi dzenyika iyi; kunyange zvakadaro vaIsiraeri vachine tariro pamusoro pechinhu ichi.
Shona 2009?
Ipapo Shekania mwanakomana waJehieri, mumwe wavanakomana vaErami, akapindura, akati kuna Ezira, "Takatadzira Mwari wedu zvatakawana vakadzi vatorwa vendudzi dzenyika iyi; kunyange zvakadaro vaIsiraeri vachine tariro pamusoro pechinhu ichi.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Shekania mwanakomana waJehieri, mumwe wavanakomana vaErami, akapindura, akati kuna Ezira, “Takatadzira Mwari wedu zvatakawana vakadzi vatorwa vendudzi dzenyika iyi; kunyangwe zvakadaro VaIsiraeri vachine tariro pamusoro pechinhu ichi.