Ezra 10:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Ezra akasimuka, akabva pamberi peimba yaMŋari, akapinda mukamuri yaJohanani mŋanakomana waEriashibi; akagara’po, akasadya ɀokudya, kana kunwa mvura; nokuti wakaŋga acicema pamsoro pokuɗarika kwaʋatapxa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Ezira akabva pamberi peimba yaMwari akaenda kukamuri raJehohanani mwanakomana waEriashibhi. Paakanga ari ikoko haana kudya zvokudya kana kunwa mvura nokuti akaramba achichema nokuda kwokusatendeka kwavatapwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ezira akabva pamberi pemba yaMwari akaenda kumba kwaJehohanani mwanakomana waEriyashibhu. Ndokwaakaenda akandorarako asingadye kana kunwa mvura nokuti akanga achichema kusatendeka kwevaye vakatandanisirwa kusiri kwavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Ezira akasimuka, akabva pamberi peimba yaMwari, akapinda mukamuri yaJohanani mwanakomana waEriashibhi; akagarapo, akasadya zvokudya, kana kunwa mvura; nokuti akanga achichema pamusoro pokudarika kwavatapwa.
Shona 2009?
Ipapo Ezira akasimuka, akabva pamberi peimba yaMwari, akapinda mukamuri yaJohwanani mwanakomana waEriashibhi; akagarapo, akasadya zvokudya, kana kumwa mvura; nokuti akanga achichema pamusoro pokudarika kwavatapwa.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Ezira akasimuka, akabva pamberi peimba yaMwari, akapinda mukamuri yaJohanani mwanakomana waEriashibhi; akagarapo, akasadya zvokudya, kana kunwa mvura; nokuti akanga achichema pamusoro pokudarika kwavatapwa.