Ezra 10:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋuye kuti aninani usina‐kuʋuya mazuʋa matatu agere kupera, seɀakaŋga ɀarairwa namacinda naʋakuru, fuma yake yose itorwe ipiwe Mŋari, naiye amene aɓuɗiswe paʋuŋgano yaʋatapxa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ani naani aizokundikana kusvika mumazuva matatu aizotorerwa pfuma yake yose, maererano nokurayira kwamachinda navakuru, uye naiyewo aibva adzingwa kubva paungano yavatapwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
uye kuti kana munhu akarega kuuyako mazuva matatu asati apera, sezvanga zvatemwa namakurukota navakuru vakuru kuti abvutirwe zvinhu zvaanazvo iye pachake agodzingwa mugungano revaye vokunga vatapwa vachiendeswa kusi kwavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
uye kuti ani naani asina kuuya mazuva matatu agere kupera, sezvakanga zvarairwa namachinda navakuru, pfuma yake yose itorwe ipiwe Mwari, naiye amene abudiswe paungano yavatapwa.
Shona 2009?
uye kuti ani naani asina kuuya mazuva matatu agere kupera, sezvakanga zvarairwa namachinda navakuru, fuma yake yose itorwe ipiwe Mwari, naiye amene abudiswe paungano yavatapwa.
Shona SUB 2002 Bible
uye kuti ani naani asina kuuya mazuva matatu agere kupera, sezvakanga zvarairwa namachinda navakuru, pfuma yake yose itorwe ipiwe Mwari, naiye amene abudiswe paungano yavatapwa.