Ezra 2:62 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Aʋa ʋakatȿaka mazita aʋo pakati pamazita amadziteteguru, asi akashaikwa; saka ʋakanzi ʋakaȿiɓiswa, ʋakabviswa paʋuprista.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ava vakatsvaka nhoroondo yamazita emhuri yavo, asi havana kuiwana saka nokudaro vakanzi vakasvibiswa vakabviswa pauprista.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ivava ava vakatsvaka mazita avo pamazita akanga akanyorwa chizvarwa nechizvarwa asi haana kuwanikwapo. Ipapo paupristi vakanzi vakan'ora.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ava vakatsvaka mazita avo pakati pamazita amadzitateguru, asi akashaikwa; saka vakanzi vakasvibiswa, vakabviswa paupristi.
Shona 2009?
Ava vakatsvaka mazita avo pakati pamazita amadzitateguru, asi akashaikwa; saka vakanzi vakasvibiswa, vakabviswa pauprista.
Shona SUB 2002 Bible
Ava vakatsvaka mazita avo pakati pamazita amadzitateguru, asi akashaikwa; saka vakanzi vakasvibiswa, vakabviswa paupristi.