Ezra 2:69 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakapa seɀaʋakagona mari yokuɓate‐ɓasa nayo madariki endarama aneɀuru ɀinamakumi matanhatu necimŋe, nepondo dzesirveri dzineɀuru ɀishanu, neŋguʋo dzaʋaprista dzinezana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Maererano napavaigona napo vakapa kuhomwe yemari yebasa iri, madhirakema zviuru makumi matanhatu nechimwea egoridhe, nemamina zviuru zvishanub esirivha uye nenguo dzavaprista zana.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakabvisa sokugonawo kwavo vachipa kune vokuchengeta maigara upfumi hwakanangana nebasa iroro ndarama yaiita mazana mashanu amakirogiramu nesirivha yainge yoda kuita matani maviri ana makirogiramu mazana masere nezana rehanzu dzavapristi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakapa sezvavakagona mari yokubata basa nayo madhariki endarama ane zviuru zvina makumi matanhatu nechimwe, nepondo dzesirivha dzine zviuru zvishanu, nenguo dzavapristi dzine zana.
Shona 2009?
Vakapa sezvavakagona mari yokubata basa nayo madhariki endarama ane zviuru zvina makumi matanhatu nechimwe, nepondo dzesirivha dzine zviuru zvishanu, nenguvo dzavaprista dzine zana.
Shona SUB 2002 Bible
Vakapa sezvavakagona mari yokubata basa nayo madhariki endarama ane zviuru zvina makumi matanhatu nechimwe, nepondo dzesirivha dzine zviuru zvishanu, nenguo dzavapristi dzine zana.