Ezra 3:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋaʋaki ʋakati ʋaciteya nheyo dzetembere yaJehova, ʋaprista ʋakamira’po ʋakafuka ŋguʋo dzaʋo, ʋakaɓata hwamanda, naʋaRevi, iʋo ʋanakomana ʋaAsafi, ʋakaɓata makandira, kuti ʋarumbidze Jehova seɀakaŋga ɀarairwa naDavidi mambo waIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino vavaki vakati vateya nheyo dzetemberi yaJehovha, vaprista vakapfeka nguo dzavo, uye vakabata hwamanda, navaRevhi (vanakomana vaAsafi) vakabata makandira, vakamira munzvimbo dzavo kuti varumbidze Jehovha, sezvakanga zvarayirwa naDhavhidhi mambo weIsraeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vokuvaka pavakavaka ugaro hweTemberi yaTenzi, ndopazosimukawo vapristi vakapfeka magemenzi avo nemabhosvo ukuwo vaRevhi navanakomana vaAsafi vaine makwakwakwa outare kuzorumbidza Tenzi semarongerwo azvakanga zvaitwa naDhavhidhi mambo weIsiraeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vavaki vakati vachiteya nheyo dzetemberi yaJehovha, vapristi vakamirapo vakafuka nguo dzavo, vakabata hwamanda, navaRevhi, ivo vanakomana vaAsafi, vakabata makandira, kuti varumbidze Jehovha sezvakanga zvarairwa naDhavhidhi mambo waIsiraeri.
Shona 2009?
Zvino vavaki vakati vachiteya nheyo dzetemberi yaJehovha, vaprista vakamirapo vakafuka nguvo dzavo, vakabata hwamanda, navaRevhi, ivo vanakomana vaAsafi, vakabata makandira, kuti varumbidze Jehovha sezvakanga zvarairwa naDhavhidhi mambo waIsiraeri.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vavaki vakati vachiteya nheyo dzetemberi yaJehovha, vapristi vakamirapo vakafuka nguo dzavo, vakabata hwamanda, navaRevhi, ivo vanakomana vaAsafi, vakabata makandira, kuti varumbidze Jehovha sezvakanga zvarairwa naDhavhidhi mambo waIsiraeri.