Ezra 3:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakateŋgezana ʋaciimba, ʋacirumbidza nokuʋoŋga Jehova, ʋaciti: Nokuti wakanaka, nokuti nyasha dzake hadziperi kunaIsraeri. Ʋanhu ʋose ʋakapururudza nokupururudza kukuru pakurumbidza kwaʋo Jehova; nokuti nheyo dzeimba yaJehova dzakaŋga dzateyiwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakaimba kuna Jehovha vachirumbidza nokutenda, vachiti: “Jehovha akanaka; rudo rwake kuna Israeri runogara nokusingaperi.” Uye vanhu vose vakadanidzira nenzwi guru rokurumbidza kuna Jehovha, nokuti nheyo dzeimba yaJehovha dzakanga dzateyiwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakaimba vachidairana vachitenda nokurumbidza Tenzi vachiti “Nokuti wakanaka uye nokuti mwoyochena wake hauperi kuvaIsiraeri.” Izvozvo vanhu vose vaidaidzira kwazvo vachirumbidza Tenzi nokuti ugaro hwemba yaTenzi hwakanga hwavakwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakatengezana vachiimba, vachirumbidza nokuvonga Jehovha, vachiti, “Nokuti akanaka, nokuti nyasha dzake hadziperi kuna Isiraeri.” Vanhu vose vakapururudza nokupururudza kukuru pakurumbidza kwavo Jehovha; nokuti nheyo dzeimba yaJehovha dzakanga dzateyiwa.
Shona 2009?
Vakatengezana vachiimba, vachirumbidza nokuvonga Jehovha, vachiti, "Nokuti akanaka, nokuti nyasha dzake hadziperi kuna Isiraeri." Vanhu vose vakapururudza nokupururudza kukuru pakurumbidza kwavo Jehovha; nokuti nheyo dzeimba yaJehovha dzakanga dzateyiwa.
Shona SUB 2002 Bible
Vakatengezana vachiimba, vachirumbidza nokuvonga Jehovha, vachiti, “Nokuti akanaka, nokuti nyasha dzake hadziperi kuna Isiraeri.” Vanhu vose vakapururudza nokupururudza kukuru pakurumbidza kwavo Jehovha; nokuti nheyo dzeimba yaJehovha dzakanga dzateyiwa.