Ezra 3:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ʋazhinji ʋaʋaprista naʋaRevi, naʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa, ʋaya ʋatana ʋakaŋga ʋaʋona imba yokutaŋga, ʋakacema kwaɀo ʋaciʋona nheyo dzeimba iyi dziciteyiwa; ʋazhinji ʋakapururudza nomufaro;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi vazhinji vavaprista navaRevhi vakanga vakwegura navakuru vedzimba dzavo, avo vakanga vaona temberi yokutanga, vakachema nenzwi guru apo vakaona nheyo dzetemberi iyi dzichiteyiwa, asi vamwe vazhinji vaipururudza nomufaro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi vazhinji vevapristi nevaRevhi navatungamiriri vedzimba dzemadzibaba avo pavakaona ugaro hwemba iyoyi huchivakwa, vakahwihwidza kuchema zvinotonzwika kunyange zvazvo vamwe vaichema nokufara
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi vazhinji vavapristi navaRevhi, navakuru vedzimba dzamadzibaba, vaya vatana vakanga vaona imba yokutanga, vakachema kwazvo vachiona nheyo dzeimba iyi dzichiteyiwa; vazhinji vakapururudza nomufaro;
Shona 2009?
Asi vazhinji vavaprista navaRevhi, navakuru vedzimba dzamadzibaba, vaya vatana vakanga vaona imba yokutanga, vakachema kwazvo vachiona nheyo dzeimba iyi dzichiteyiwa; vazhinji vakapururudza nomufaro;
Shona SUB 2002 Bible
Asi vazhinji vavapristi navaRevhi, navakuru vedzimba dzamadzibaba, vaya vatana vakanga vaona imba yokutanga, vakachema kwazvo vachiona nheyo dzeimba iyi dzichiteyiwa; vazhinji vakapururudza nomufaro;