Ezra 3:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Jeshua mŋanakomana waJozadaki, nehama dzake ʋaprista, naZerubaberi mŋanakomana waSheartieri, nehama dzake, ʋakasimuka, ʋakaʋaka artari yaMŋari waIsraeri, kuti ʋaɓayire’po ɀipiriso ɀinopiswa, seɀakanyorwa pamurairo waMosesi munhu waMŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jeshua mwanakomana waJozadhaki navamwe vake vaprista naZerubhabheri mwanakomana waShearitieri neshamwari dzake vakatanga kuvaka aritari yaMwari weIsraeri kuti vabayirepo zvipiriso zvinopiswa, maererano nezvakanyorwa muMurayiro waMozisi, munhu waMwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndopazosimuka Jeshua mwanakomana waJozadhaki nevamwe vake vapristi naZerubhabhero mwanakomana waShearitieri pamwechete nehama dzake vakandovaka atari yaMwari weIsiraeri yokupirira mipiro yokupisa pairi sokunyorwa kwazvakaitwa mumutemo waMosesi, munhu waMwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Jeshua mwanakomana waJozadhaki, mwanakomana waShearitieri, nehama dzake, vakasimuka, vakavaka aritari yaMwari waIsiraeri, kuti vabayirepo zvipiriso zvinopiswa, sezvakanyorwa pamurayiro waMosesi munhu waMwari.
Shona 2009?
Ipapo Jeshua mwanakomana waJozadhaki, mwanakomana waShearitieri, nehama dzake, vakasimuka, vakavaka aritari yaMwari waIsiraeri, kuti vabayirepo zvipiriso zvinopiswa, sezvakanyorwa pamurayiro waMozisi munhu waMwari.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Jeshua mwanakomana waJozadhaki, mwanakomana waShearitieri, nehama dzake, vakasimuka, vakavaka atari yaMwari waIsiraeri, kuti vabayirepo zvipiriso zvinopiswa, sezvakanyorwa pamurairo waMosesi munhu waMwari.