Ezra 3:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakapa ʋo ʋaʋezi ʋamabge namatanda mari, ʋuye ʋeZidoni naʋeTire ɀokudya neɀokunwa namafuta, kuti ʋatore miti yemisidari paRebanoni, ʋaiise Jopa paguŋgwa, seɀaʋakaŋga ʋatenderwa naKoreshi mambo wePersia.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo vakapa mari kuvavezi vamabwe navavezi vamatanda, uye vakapa zvokudya nezvokunwa namafuta kuvanhu veSidhoni neveTire, kuitira kuti vatore matanda emisidhari kubva kuRebhanoni vagoayeredza nemvura yegungwa kuti aende kuJopa, sezvakanga zvatenderwa naSirasi mambo wePezhia.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokudaro vakapa mari kune vokuvaka nemabwe nokuvavezi. Vakapawo chokudya nechokunwa namafuta eorivhi kune vokuSidhoni nevokuTire kuti vatore mapango omusidhari kuRebhanoni vachiaunza kugungwa oendeswa kuJopa maererano nemvumo yavakanga vapiwa naSairosi mambo wePezhiya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakapawo vavezi vamabwe namatanda mari, uye veZidhoni naveTire zvokudya nezvokunwa namafuta, kuti vatore miti yemisidhari paRebhanoni, vaiise Jopa pagungwa, sezvavakanga vatenderwa naKoreshi mambo wePerisia.
Shona 2009?
Vakapawo vavezi vamabwe namatanda mari, uye veZidhoni naveTire zvokudya nezvokumwa namafuta, kuti vatore miti yemisidhari paRebhanoni, vaiise Jopa pagungwa, sezvavakanga vatenderwa naKoreshi mambo wePerisia.
Shona SUB 2002 Bible
Vakapawo vavezi vamabwe namatanda mari, uye veZidhoni naveTaya zvokudya nezvokunwa namafuta, kuti vatore miti yemisidhari paRebhanoni, vaiise Jopa pagungwa, sezvavakanga vatenderwa naKoreshi mambo wePezhia.