Ezra 3:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino negore recipiri rokuȿika kwaʋo paimba yaMŋari paJerusarema, nomŋedzi wecipiri, Zerubaberi mŋanakomana waSheartieri, naJeshua mŋanakomana waJozadaki, nedzimŋe hama dzaʋo ʋaprista naʋaRevi, naʋose ʋakaŋga ʋadzokera Jerusarema pakutapxa kwaʋo, ʋakataŋga ɓasa raʋo; ʋakagadza ʋaRevi ʋamakore makumi maʋiri naʋakapfuʋura, kuti ʋaʋe ʋatariri ʋeɓasa paimba yaJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumwedzi wechipiri wegore rechipiri mushure mokunge vasvika paimba yaMwari muJerusarema, Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, naJeshua mwanakomana waJozadhaki nedzimwe hama dzavo dzose (vaprista navaRevhi uye navose vakanga vadzokera kuJerusarema) vachibva kuutapwa vakatanga kushanda vakagadza vaRevhi vana makore makumi maviri kana anopfuura kuti vave vatariri vokuvakwa kweimba yaJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mugore rechipiri rokuuya kwavo kumba yaMwari kuJerusaremu, mumwedzi wechipiri, Zerubhabhero mwanakomana waShearitieri naJeshua mwanakomana waJozadhaki vakatanga kuvaka pamwechete nehama dzavo vapristi nevaRevhi nevamwe vose vakanga vadzoka kuJerusaremu vachibva kuutapwa. Vakasarudza vamwe vevaRevhi vaibvira pamakore makumi maviri zvichikwira kuti vave vakuru vakuru vokuona nezvebasa remba yaTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino negore rechipiri rokusvika kwavo paimba yaMwari paJerusaremu, nomwedzi wechipiri, Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, naJeshua mwanakomana waJozadhaki, nedzimwe hama dzavo vapristi navaRevhi, navose vakanga vadzokera Jerusaremu pakutapwa kwavo, vakatanga basa ravo; vakagadza vaRevhi vamakore makumi maviri navakapfuura, kuti vave vatariri vebasa paimba yaJehovha.
Shona 2009?
Zvino negore rechipiri rokusvika kwavo paimba yaMwari paJerusaremu, nomwedzi wechipiri, Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, naJeshua mwanakomana waJozadhaki, nedzimwe hama dzavo vaprista navaRevhi, navose vakanga vadzokera Jerusaremu pakutapwa kwavo, vakatanga basa ravo; vakagadza vaRevhi vamakore makumi maviri navakapfuura, kuti vave vatariri vebasa paimba yaJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino negore rechipiri rokusvika kwavo paimba yaMwari paJerusaremu, nomwedzi wechipiri, Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, naJeshua mwanakomana waJozadhaki, nedzimwe hama dzavo vapristi navaRevhi, navose vakanga vadzokera Jerusaremu pakutapwa kwavo, vakatanga basa ravo; vakagadza vaRevhi vamakore makumi maviri navakapfuura, kuti vave vatariri vebasa paimba yaJehovha.