Ezra 3:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Jeshua naʋanakomana ʋake nehama dzake, naKadmieri naʋanakomana ʋake, ʋanakomana ʋaJuda, ʋakamira nomŋoyo mumŋe ʋacitarira ʋaiɓata paimba yaMŋari; naʋanakomana ʋaHenadadi, naʋanakomana ʋaʋo nehama dzaʋo, ʋaRevi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jeshua navanakomana vake nehama dzake naKadhimieri navanakomana vake (zvizvarwa zvaHodhavhia) navanakomana vaHenadhadhi navanakomana vavo nehama dzavo, navaRevhi vose vakabatana pamwe chete navo pakutarira vaishanda paimba yaMwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jeshua navanakomana vake nehama dzake pamwechete naKadhimieri navanakomanawo vake, vechizvarwa chokwaJudha, ndivo vakasimuka vova vokuona nezvevashandi vebasa remba yaMwari pamwechete navanakomana vokwaHenadhadhi nevaRevhi navanawo vavo vakomana nehama dzavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Jeshua navanakomana vake nehama dzake, naKadhimieri navanakomana vake, vanakomana vaJudha, vakamira nomwoyo mumwe vachitarira vaibata paimba yaMwari; navanakomana vaHenadhadhi, navanakomana vavo nehama dzavo, vaRevhi.
Shona 2009?
Ipapo Jeshua navanakomana vake nehama dzake, naKadhimieri navanakomana vake, vanakomana vaJudha, vakamira nomoyo mumwe vachitarira vaibata paimba yaMwari; navanakomana vaHenadhadhi, navanakomana vavo nehama dzavo, vaRevhi.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Jeshua navanakomana vake nehama dzake, naKadhimieri navanakomana vake, vanakomana vaJudha, vakamira nomwoyo mumwe vachitarira vaibata paimba yaMwari; navanakomana vaHenadhadhi, navanakomana vavo nehama dzavo, vaRevhi.