Ezra 4:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mambo ŋgaaziʋiswe kuti ʋaJuda, ʋakabva kwenyu ʋakaȿika ʋuno kwatiri paJerusarema, ʋoʋaka guta rokumukira mambo, rakaipa; ʋapedza maȿiŋgo, nokugadzira nheyo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo ngaaziviswe kuti vaJudha vakabva kwenyu vakauya kwatiri kuno vakaenda kuJerusarema uye vava kuvakazve guta riya rokumukira uye rakaipa. Vari kuvakazve masvingo aro nokugadzira nheyo dzayo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Tingade kuti imi mambo muzive kuti vaJudha vakabva kwamuri vachiuya kwatiri vakasvikoenda kuJerusaremu. Vari kutovaka guta riye roumhandupandu nouipi. Vava kutopedza tsvingo dzacho nokugadziridzawo ugaro hwaro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Mambo ngaaziviswe kuti vaJudha, vakabva kwenyu vakasvika kuno kwatiri paJerusaremu, vovaka guta rokumukira mambo, rakaipa; vapedza masvingo, nokugadzira nheyo.
Shona 2009?
"Mambo ngaaziviswe kuti vaJudha, vakabva kwenyu vakasvika kuno kwatiri paJerusaremu, vovaka guta rokumukira mambo, rakaipa; vapedza masvingo, nokugadzira nheyo.
Shona SUB 2002 Bible
“Mambo ngaaziviswe kuti vaJudha, vakabva kwenyu vakasvika kuno kwatiri paJerusaremu, vovaka guta rokumukira mambo, rakaipa; vapedza masvingo, nokugadzira nheyo.