Ezra 4:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mambo ŋgaaziʋiswe, kuti kana guta iri rikaʋakwa, namaȿiŋgo aro akapera, haʋaŋgaɓuɗisi mutero, kana ɀipo, kana muripo wenzira, pashure madzimambo acatadzirwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pamusoro pezvo, mambo ngaazive kuti kana guta iri rikavakwa uye masvingo aro akavakwazve, hakuchazovi nemitero, kana zvipo kana miripo ichazoripirwa, uye mari inoripwa kuna mambo ichava shoma.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tati tikurumei nzeve mambo muzive zvenyu kuti guta irori rikangovakwa chete, tsvingo dzaro dzapera, havasi kuzobvisa mutero kana zvirehwarehwa zvokwamambo kunyange mutero wenzira nezvoupfumi hwokwamambo hauzowanika.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mambo ngaaziviswe, kuti kana guta iri rikavakwa, namasvingo aro akapera, havangabudisi mutero, kana zvipo, kana muripo wenzira, pashure madzimambo achatadzirwa.
Shona 2009?
Zvino mambo ngaaziviswe, kuti kana guta iri rikavakwa, namasvingo aro akapera, havangabudisi mutero, kana zvipo, kana muripo wenzira, pashure madzimambo achatadzirwa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mambo ngaaziviswe, kuti kana guta iri rikavakwa, namasvingo aro akapera, havangabudisi mutero, kana zvipo, kana muripo wenzira, pashure madzimambo achatadzirwa.