Ezra 4:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino isu, ɀatinodya munyu unobva paimba yamambo, ʋuye ɀatisiŋgafaniri kuʋona mambo acininipiswa, tatuma ŋwadi kuzoziʋisa mambo;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino isu zvatinokudza imba yamambo, taona zvisina kufanira kuona mambo achininipiswa, naizvozvo tatumira mashoko aya kuti tizivise mambo,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino pamusana pokuti tinodya zvomumuzinda tinozviona zvisinganake kuzotarisa zvedu mambo achishorwa. Ndokusaka tati tifane takurumai nzeve,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino isu, zvatinodya munyu unobva paimba yamambo, uye zvatisingafaniri kuona mambo achininipiswa, tatuma n’wadhi kuzozivisa mambo;
Shona 2009?
Zvino isu, zvatinodya munyu unobva paimba yamambo, uye zvatisingafaniri kuona mambo achininipiswa, tatuma mwadhi kuzozivisa mambo;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino isu, zvatinodya munyu unobva paimba yamambo, uye zvatisingafaniri kuona mambo achininipiswa, tatuma tsamba kuzozivisa mambo;