Ezra 4:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kuti ʋanɀere pabuku yenhau yamadziɓaɓa enyu; mucaʋona mubuku yenhau, kuti guta iri raimukira mambo, raitadzira madzimambo nenyika, ʋuye kuti mukati maro ʋairamba ʋacimukira madzimambo kubva kare nakare. Guta iri rakaparadzwa nemhaka iyo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
kuitira kuti kutsvagisiswe mumabhuku enhoroondo avakakutangirai. Mumabhuku aya muchaona kuti guta iri iguta rinomukira, rinotambudza madzimambo namatunhu, inzvimbo inomukira kubva kare. Ndokusaka guta iri rakaparadzwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kuitira kuti nyaya iyi imbotariswa muBhuku reZvinyorwa zvamadzibaba enyu. Muchazviwana muBhuku reZvainyorwa iroro mugoziva kuti guta irori iguta rechimurenga, munzwa zvawo chaiwo uri mundove kumadzimambo nokunyika dzaiva pasi paro. Vanhu vakangogara nokugara vari kusokana mweya woupanduki. Ndochakapawani kuti guta irori riparadzwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kuti vanzvere pabhuku yenhau yamadzibaba enyu; muchaona mubhuku yenhau, kuti guta iri raimukira mambo, raitadzira madzimambo nenyika, uye kuti mukati maro vairamba vachimukira madzimambo kubva kare nakare. Guta iri rakaparadzwa nemhaka iyo.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible