Ezra 4:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mashoko eŋwadi yamambo Artashasta akati araʋirwa Rehumi, naShimshai munyori, neshamŋari dzaʋo, ʋakakurumidza kuenda Jerusarema kuʋaJuda, ʋakaʋadziʋisa nokumanikidza nesimba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pakangoverengwa tsamba yaMambo Atazekisesi kuna Rehumi naShimishai munyori navamwe vavo, vakabva vaenda pakarepo kuvaJudha vaiva muJerusarema vakavamanikidza nechisimba kuti varege kuvaka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuzoti tsamba yamambo Atakizesesi payakazoverengerwa Rehumu naShimushai munyori nevechikwata chavo vakabva vaita zvechimbichimbi kuenda kuJerusaremu kuvaJudha. Vakabva vaita zvokuvamanikidza nechisimba kuvamisa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mashoko en’wadhi yamambo Aritashasita akati aravirwa Rehumi, naShimishai munyori, namakurukota avo, vakakurumidza kuenda Jerusaremu kuvaJudha, vakavadzivisa nokumanikidza nesimba.
Shona 2009?
Zvino mashoko emwadhi yamambo Aritashasita akati aravirwa Rehumi, naShimishai munyori, namakurukota avo, vakakurumidza kuenda Jerusaremu kuvaJudha, vakavadzivisa nokumanikidza nesimba.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mashoko etsamba yamambo Atakizesewi akati aravirwa Rehumi, naShimishai munyori, namakurukota avo, vakakurumidza kuenda Jerusaremu kuvaJudha, vakavadzivisa nokumanikidza nesimba.