Ezra 4:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋakaripira ʋanhu ʋokuʋaraira, kuti ʋakaŋganise ɀaʋakaŋga ʋaciɗa kuita, mazuʋa ose aKoreshi mambo wePersia, kuȿikira Dariusi mambo wePersia acizoɓata ʋushe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakaripira vapi vamazano kuti vavapikise nokuvakanganisa paurongwa hwavo panguva yose yokutonga kwaSirasi mambo wePezhia uye kusvikira pakutonga kwaDhariasi mambo wePezhia.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
vachivakokera mamwe makurukota okuita zvokubhadhara kuti zvavaida zviparare mazuva ose aSairosi mambo wePezhiya kunyangovawo nomumazuva aDhariosi mambo wePezhiya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
vakaripira vanhu vokuvaraira, kuti vakanganise zvavakanga vachida kuita, mazuva ose aKoreshi mambo wePerisia, kusvikira Dhariusi mambo wePerisia achizobata ushe.
Shona 2009?
vakaripira vanhu vokuvaraira, kuti vakanganise zvavakanga vachida kuita, mazuva ose aKoreshi mambo wePerisia, kusvikira Dhariusi mambo wePerisia achizobata ushe.
Shona SUB 2002 Bible
vakaripira vanhu vokuvaraira, kuti vakanganise zvavakanga vachida kuita, mazuva ose aKoreshi mambo wePezhia, kusvikira Dhariusi mambo wePezhia achizobata ushe.