Ezra 5:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakapindura ʋaciti: Isu tiri ʋaranda ʋaMŋari wokuɗeŋga napasi, tinoʋaka imba yakaɗeya kuʋakwa makore mazhinji akapfuʋura, yakaʋakwa nomumŋe mambo mukuru waIsraeri, ikapera.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iyi ndiyo mhinduro yavakatipa: “Tiri varanda vaMwari wokudenga napasi, uye tiri kuvakazve temberi yakambovakwa makore mazhinji akapfuura, iyo yakavakwa namambo mukuru weIsraeri uye akaipedza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mhinduro yavakatipindura ndeyiyi vakati, ‘Isu tiri varanda vaMwari Wedenga napasi. Tiri kuvaka zvakare imba yakambovakwa nomumwe mambo weIsiraeri makore mazhinji akapfuura ikatopera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Vakapindura vachiti, ‘Isu tiri varanda vaMwari wokudenga napasi, tinovaka imba yakadeya kuvakwa makore mazhinji akapfuura, yakavakwa nomumwe mambo mukuru waIsiraeri, ikapera.’
Shona 2009?
"Vakapindura vachiti, `Isu tiri varanda vaMwari wokudenga napasi, tinovaka imba yakadeya kuvakwa makore mazhinji akapfuura, yakavakwa nomumwe mambo mukuru waIsiraeri, ikapera.'
Shona SUB 2002 Bible
“Vakapindura vachiti, ‘Isu tiri varanda vaMwari wokudenga napasi, tinovaka imba yakadeya kuvakwa makore mazhinji akapfuura, yakavakwa nomumwe mambo mukuru waIsiraeri, ikapera.’