Ezra 5:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi madziɓaɓa eɗu akati atsamŋisa Mŋari wokuɗeŋga, iye akaʋaisa mumaʋoko aNebukadnezari mambo weBabironi, muKardea; iye akaparadza imba ino, akatapa ʋanhu, ndokuenda naʋo Babironi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi nokuda kwokuti madzibaba edu akatsamwisa Mwari wokudenga, akavaisa mumaoko aNebhukadhinezari muKaradhea, mambo weBhabhironi, uyo akaparadza temberi ino akatora vanhu akavaendesa kuBhabhironi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi pamusana pokuti madzibaba edu akashatirisa Mwari Wedenga akabva avaisa mumaoko aNebhukadhinezari mambo weBhabhironi wechiKaradhia. Iye akaparadza imba iyoyi akatuta vanhu kuendesa kuBhabhironi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Asi madzibaba edu akati atsamwisa Mwari wokudenga, iye akavaisa mumaoko aNebhukadhenezari mambo weBhabhironi, muKaradhea; iye akaparadza imba ino, akatapa vanhu, ndokuenda navo Bhabhironi.
Shona 2009?
"Asi madzibaba edu akati atsamwisa Mwari wokudenga, iye akavaisa mumaoko aNebhukadhenezari mambo weBhabhironi, muKaradhea; iye akaparadza imba ino, akatapa vanhu, ndokuenda navo Bhabhironi.
Shona SUB 2002 Bible
“Asi madzibaba edu akati atsamwisa Mwari wokudenga, iye akavaisa mumaoko aNebhukadhenezari mambo weBhabhironi, muKaradhia; iye akaparadza imba ino, akatapa vanhu, ndokuenda navo Bhabhironi.