Ezra 5:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ɀino, kana mambo acifara naɀo, ŋgaʋanɀere muimba yefuma yamambo iri Babironi, ʋaʋone kana ɀiri iɀo, kana mambo Koreshi akaraira kuti imba ino yaMŋari iʋakwe Jerusarema, mambo agotiziʋisa kuɗa kwake pamsoro pemhaka iyi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Zvino kana zvichifadza mambo, ngavatsvakisise mumabhuku amadzimambo eBhabhironi kuti vaone kana Mambo Sirasi zvirokwazvo vakamboisa chirevo chokuti imba yaMwari iyi ivakwezve muJerusarema. Naizvozvo mambo ngaatizivise kuda kwake pamusoro penyaya iyi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo kana imi mambo maonawo kuti pakanaka, ngakutsvakwe mumba mokuchengetera zvinyorwa zvokwamambo kuBhabhironi ikoko kuonekwe kuti mambo Sairosi akapa here chirevo chokuti imba yaMwari iyoyi iri muJerusaremu ivakwezve. Titumireiwo mhinduro yezvamunoda kuti zviitwe panyaya iyoyi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Naizvozvo zvino, kana mambo achifara nazvo, ngavanzvere muimba yepfuma yamambo iri Bhabhironi, vawone kana zviri izvo, kana mambo Koreshi akaraira kuti imba ino yaMwari ivakwe Jerusaremu, mambo agotizivisa kuda kwake pamusoro pemhaka iyi.”
Shona 2009?
"Naizvozvo zvino, kana mambo achifara nazvo, ngavanzvere muimba yefuma yamambo iri Bhabhironi, vawone kana zviri izvo, kana mambo Koreshi akaraira kuti imba ino yaMwari ivakwe Jerusaremu, mambo agotizivisa kuda kwake pamusoro pemhaka iyi."
Shona SUB 2002 Bible
“Naizvozvo zvino, kana mambo achifara nazvo, ngavanzvere muimba yepfuma yamambo iri Bhabhironi, vawone kana zviri izvo, kana mambo Koreshi akaraira kuti imba ino yaMwari ivakwe Jerusaremu, mambo agotizivisa kuda kwake pamusoro pemhaka iyi.”