Ezra 5:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino paŋguʋa iyo Tatenai, muɓati wenyika mhiri kworwizi, naShetari‐bozenai, neshamŋari dzaʋo ʋakaȿika kwaʋari, ʋakati kwaʋari: Makarairwa nani kuʋaka imba iyi, nokupedza ruȿiŋgo urwu here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panguva iyoyo Tatenai, mubati wenyika yaiva mhiri kwaYufuratesi, naShatari-Bhozenai neshamwari dzavo vakaenda kwaari uye vakandomubvunza, vachiti, “Ndiani akakupai mvumo yokuvakazve temberi iyi uye nokumisazve masvingo aya?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Panguva yakareyo kwakauya Tatenai zisadunhu remaruwa ose enyika dziri kumhiri kweRwizi rwaYufuratesi naShetaribhozenai pamwechete nevechikwata chavo vakavavinga vakataura kwavari vachiti, “Chirevo chokuti imi muvake imba iyi nezvamava kuvaka izvi chabva kuna ani?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino panguva iyo Tatenai, mubati wenyika mhiri kworwizi, naShetaribhozenai, namakurukota avo vakasvika kwavari, vakati kwavari, “Makarairwa nani kuvaka imba iyi, nokupedza rusvingo urwu here?”
Shona 2009?
Zvino panguva iyo Tatenai, mubati wenyika mhiri korwizi, naShetaribhozenai, namakurukota avo vakasvika kwavari, vakati kwavari, "Makarairwa nani kuvaka imba iyi, nokupedza rusvingo urwu here?"
Shona SUB 2002 Bible
Zvino panguva iyo Tatenai, mubati wenyika mhiri kwerwizi, naShetaribhozenai, namakurukota avo vakasvika kwavari, vakati kwavari, “Makarairwa nani kuvaka imba iyi, nokupedza rusvingo urwu here?”