Ezra 5:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mambo ŋgaaziʋiswe kuti takaenda kurutiʋi rwenyika yaJuda, kuimba yaMŋari mukuru, inoʋakwa namabge makuru, ʋuye matanda anoiswa mumaȿiŋgo; ɓasa iri rinoshiŋgairirwa, rinopfuʋurira mberi ɀakanaka pamaʋoko aʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo ngaazive kuti takaenda kudunhu reJudha, kutemberi yaMwari mukuru. Vanhu vari kuivaka namabwe makuru uye vachiisa matanda mumasvingo. Basa riri kuitwa nokushingaira uye riri kupfuurira mberi nokukurumidza mumaoko avo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tingade kuti imi mambo muzivewo kuti takaenda kunyika yokwaJudha pamba yaMwari mukuru. Iri mukuvakwa izvozvi namabwe makuru, mapango akatowarikwa mumadziro umu. Basa irori riri kunyatsoenderera mberi kuri kuitwa chipatapata.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Mambo ngaaziviswe kuti takaenda kurutivi rwenyika yaJudha, kuimba yaMwari mukuru, inovakwa namabwe makuru, uye matanda anoiswa mumasvingo; basa iri rinoshingairirwa, rinopfuurira mberi zvakanaka pamaoko avo.
Shona 2009?
"Mambo ngaaziviswe kuti takaenda kurutivi rwenyika yaJudha, kuimba yaMwari mukuru, inovakwa namabwe makuru, uye matanda anoiswa mumasvingo, basa iri rinoshingairirwa, rinopfuurira mberi zvakanaka pamaoko avo.
Shona SUB 2002 Bible
“Mambo ngaaziviswe kuti takaenda kurutivi rwenyika yaJudha, kuimba yaMwari mukuru, inovakwa namabwe makuru, uye matanda anoiswa mumasvingo; basa iri rinoshingairirwa, rinopfuurira mberi zvakanaka pamaoko avo.