Ezra 6:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Tatenai muɓati wenyika mhiri kworwizi, naShetari‐bozenai, neshamŋari dzaʋo, ʋakaita iɀoɀo nokukurumidza, nemhaka yeshoko rakaŋga ratumŋa namambo Dariusi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo, nokuda kwechirevo chakanga chatumirwa naMambo Dhariasi, Tatenai mubati wemhiri kwaYufuratesi, naSheshitari-Bhozenai neshamwari dzavo vakaita izvi nenzira yakanakisisa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tatenai zisadunhu renyika dzokuMhiri kwoRwizi rwaYufuratesi naShetari Bhozenai nevechikwata chavo vakanyatsoita naimomo chaimo makarehwa neshoko rakatumirwa naDhariusi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Tatenai mubati wenyika mhiri kworwizi, naShetaribhozenai, namakurukota dzavo, vakaita izvozvo nokukurumidza, nemhaka yeshoko rakanga ratumwa namambo Dhariusi.
Shona 2009?
Ipapo Tatenai mubati wenyika mhiri korwizi, naShetaribhozenai, namakurukota avo, vakaita izvozvo nokukurumidza, nemhaka yeshoko rakanga ratumwa namambo Dhariusi.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Tatenai mubati wenyika mhiri kwerwizi, naShetaribhozenai, namakurukota avo, vakaita izvozvo nokukurumidza, nemhaka yeshoko rakanga ratumwa namambo Dhariasi.