Ezra 6:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakuru ʋaʋaJuda ʋakaʋaka, ʋakapfuʋurira mberi ɀakanaka, ʋacisimbiswa nokuprofita kwaHagai muprofita naZekaria mŋanakomana waIdo. Ʋakaʋaka, ʋakaipedza, seɀakarairwa naMŋari waIsraeri, ʋuye necireʋo caKoreshi, naDariusi, naArtashasta mambo wePersia.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokudaro vakuru vavaJudha vakaenderera mberi nokuvaka uye vakabudirira vachiparidzirwa naHagai muprofita naZakaria mwanakomana waIdho. Vakavaka temberi vakaipedza sokurayirwa kwavakanga vaitwa naMwari weIsraeri nechirevo chaSirasi, Dhariasi naAtazekisesi madzimambo ePezhia.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Izvozvo vakuru vakuru vevaJudha vainge vachivaka zvavo zvichibudirira nokuporofita kwomuporofita Hagai naZekariya mwanakomana waIdho. Vakapedza kuvaka imba yavo sezvakanga zvanzi zviitwe naMwari weIsiraeri uye maererano nechirevo chaSairosi naDhariusi naAtakizesesi mambo wePezhiya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakuru vavaJudha vakavaka, vakapfuurira mberi zvakanaka, vachisimbiswa nokuporofita kwaHagai, muporofita, naZekariya mwanakomana waIdho. Vakavaka, vakaipedza, sezvakarairwa naMwari waIsiraeri, uye nechirevo chaKoreshi, naDhariusi, naAritashasita mambo wePerisia.
Shona 2009?
Vakuru vavaJudha vakavaka, vakapfuurira mberi zvakanaka, vachisimbiswa nokuporofita kwaHagai, muporofita, naZekariya mwanakomana waldho. Vakavaka, vakaipedza, sezvakarairwa naMwari waIsiraeri, uye nechirevo chaKoreshi, naDhariusi, naAritashasita mambo wePerisia.
Shona SUB 2002 Bible
Vakuru vavaJudha vakavaka, vakapfuurira mberi zvakanaka, vachisimbiswa nokuporofita kwaHagai, muporofita, naZekariya mwanakomana waIdho. Vakavaka, vakaipedza, sezvakarairwa naMwari waIsiraeri, uye nechirevo chaKoreshi, naDhariasi, naAtakizesesi mambo wePezhia.