Ezra 6:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakaɓayira pakutsaura imba iyi yaMŋari nzombe dzinezana rimŋe, namakondobge anamazana maʋiri, namakwaiana anamazana manna; ʋuye nhoŋgo dzembudzi dzinegumi nembiri, dzakaenzana namarudzi aʋaIsraeri, ciʋe cipiriso ceɀiʋi caʋaIsraeri ʋose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pakukumikidzwa kweimba iyi yaMwari vakabayira hando zana, makondohwe mazana maviri, namakwayana makono mazana mana uye sechipiriso chechivi chavaIsraeri vose, vakabayira nhongo dzembudzi gumi nembiri, imwe ichimirira rudzi rumwe norumwe rwaIsraeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pakuteketerera imba yaMwari uku vakapira zana rehandira nehondohwe mazana maviri uye hwayana mazana mana pamwechete nomupiro wokupfupira zvitadzo zveIsiraeri yose zvayo wamakotora gumi namaviri zvichienderanawo nouwandu hwamadzinza avaIsiraeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakabayira pakutsaura imba iyi yaMwari nzombe dzine zana rimwe, namakondobwe ana mazana maviri, namakwayana ana mazana mana; uye nhongo dzembudzi dzine gumi nembiri, dzakaenzana namarudzi avaIsiraeri, chive chipiriso chezvivi chavaIsiraeri vose.
Shona 2009?
Vakabayira pakutsaura imba iyi yaMwari nzombe dzine zana rimwe, namakondobwe ana mazana maviri, namakwayana ana mazana mana; uye nhongo dzembudzi dzine gumi nembiri, dzakaenzana namarudzi avaIsiraeri, chive chipiriso chezvivi chavaIsiraeri vose.
Shona SUB 2002 Bible
Vakabayira pakutsaura imba iyi yaMwari nzombe dzine zana rimwe, namakondobwe ana mazana maviri, namakwayana ana mazana mana; uye nhongo dzembudzi dzine gumi nembiri, dzakaenzana namarudzi aVaIsiraeri, chive chipiriso chezvivi chaVaIsiraeri vose.