Ezra 6:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ʋaprista naʋaRevi ʋakaŋga ʋaɀinatsa nomŋoyo mumŋe; ʋose ʋaʋo ʋakaŋga ʋanatswa; ʋakaɓayira ʋatapxa ʋose paseka, nehama dzaʋo dzaʋaprista, naiʋo ʋamene.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vaprista navaRevhi vakanga vazvinatsa uye vose vakanga vanatswa. VaRevhi vakabayira vatapwa vose gwayana rePasika, vakabayirawo hama dzavo vaprista naivo vamene.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti vapristi navaRevhi pamwechete vakanga vazvinatsa vose vava vanhu vakazvichenura. Saka vakazviurayira ivo pachavo hwayana yePasika navaye vokudzoka vaya vokumbotamisirwa kusi kwavo nevamwe vavo vapristi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti vapristi navaRevhi vakanga vazvinatsa nomwoyo mumwe; vose vavo vakanga vanatswa; vakabayira vatapwa vose Pasika, nehama dzavo dzavapristi, naivo vamwene.
Shona 2009?
Nokuti vaprista navaRevhi vakanga vazvinatsa nomoyo mumwe, vose vavo vakanga vanatswa; vakabayira vatapwa vose Pasika, nehama dzavo dzavaprista, naivo vamene.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti vapristi navaRevhi vakanga vazvinatsa nomwoyo mumwe; vose vavo vakanga vanatswa; vakabayira vatapwa vose Pasika, nehama dzavo dzavapristi, naivo vamwene.