Ezra 6:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋana ʋaIsraeri, ʋakaŋga ʋadzoka pakutapxa, ʋakadya, iʋo naʋose ʋakaŋga ʋaɀitsaurira kwaʋari ʋacibva pamatȿina aʋahedeni ʋenyika iyo, kuti ʋatȿake Jehova Mŋari waIsraeri;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokudaro vaIsraeri vakanga vadzoka kubva kuutapwa vakaidya, pamwe chete navose vakanga vazvitsaura kubva pazviito zvisina kururama zvaiitwa navavakidzani vavo vahedheni, kuti vatsvake Jehovha, Mwari waIsraeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Yakadyiwa navanhu vechiIsiraeri vakanga vadzoka kwavakanga vatamisirwa kusi kwavo pamwechete nomunhu wose akanga abatanawo navo achizvitsaura mune zvakan'ora zvavanhu vechirudzi vomunyika imomu kuitira kuti vazotsvaka Tenzi, Mwari weIsiraeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo vana vaIsiraeri, vakanga vadzoka pakutapwa, vakadya, ivo navose vakanga vazvitsaurira kwavari vachibva pamatsvina avahedheni venyika iyo, kuti vatsvake Jehovha Mwari waIsiraeri;
Shona 2009?
Ipapo vana vaIsiraeri, vakanga vadzoka pakutapwa, vakadya, ivo navose vakanga vazvitsaurira kwavari vachibva pamatsvina avahedheni venyika iyo, kuti vatsvake Jehovha Mwari waIsiraeri;
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo vana VaIsiraeri, vakanga vadzoka pakutapwa, vakadya, ivo navose vakanga vazvitsaurira kwavari vachibva pamatsvina avahedheni venyika iyo, kuti vatsvake Jehovha Mwari waIsiraeri;