Ezra 6:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Pagore rokutaŋga ramambo Koreshi, mambo Koreshi wakaraira, aciti: Kana iri imba yaMŋari paJerusarema, imba ŋgaiʋakwe, paʋe paʋaŋgaɓayira ɀiɓayiro, nenheyo dzayo dziteyiwe nesimba; kukwirira kwayo kuȿike makubiti anamakumi matanhatu, nokufara kwayo makubiti anamakumi matanhatu;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mugore rokutanga raMambo Sirasi, mambo akapa chirevo pamusoro pezvetemberi yaMwari muJerusarema achiti: Temberi ngaivakwezve ive nzvimbo yokubayira zvibayiro, uye nheyo dzayo ngadziteyiwe. Inofanira kuva namakubhiti makumi matanhatua paurefu namakubhiti makumi matanhatu paupamhi,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mugore rechiposhi rokutonga kwamambo Sairosi akatema chirevo chakanangana nezvemba yaMwari iri kuJerusaremu. Imba iyoyo ngaivakwe zvakare, nzvimbo yokupirira zvibayiro kuna Mwari kunounzwawo mipiro yokupisa. Kureba kuenda mudenga makumi maviri amamita anamamita manomwe, kufara kwayo kuchiita mamita makumi maviri anamamita manomwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Pagore rokutanga ramambo Koreshi, mambo Koreshi akaraira, achiti, ‘Kana iri imba yaMwari paJerusaremu, imba ngaivakwe, pave pavangabayira zvibayiro, nenheyo dzayo dziteyiwe nesimba; kukwirira kwayo kusvike makubhiti ana makumi matanhatu, nokufara kwayo makubhiti ana makumi matanhatu;
Shona 2009?
"Pagore rokutanga ramambo Koreshi, mambo Koreshi akaraira, achiti, `Kana iri imba yaMwari paJerusaremu, imba ngaivakwe, pave pavangabayira zvibayiro, nenheyo dzayo dziteyiwe nesimba; kukwirira kwayo kusvike makubhiti ana makumi matanhatu, nokufara kwayo makubhiti ana makumi matanhatu;
Shona SUB 2002 Bible
“Pagore rokutanga ramambo Koreshi, mambo Koreshi akaraira, achiti, ‘Kana iri imba yaMwari paJerusaremu, imba ngaivakwe, pave pavangabayira zvibairo, nenheyo dzayo dziteyiwe nesimba; kukwirira kwayo kusvike makubhiti ana makumi matanhatu, nokufara kwayo makubhiti ana makumi matanhatu;