Ezra 6:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nemidziyo yendarama nesirveri yeimba yaMŋari, yakaɗeya kutorwa naNebukadnezari patembere paJerusarema, ikaiswa naye Babironi, ŋgaidzoswe, iiswe ɀe patembere iri Jerusarema, cimŋe necimŋe panɀimbo yaco, mugoɀiisa muimba yaMŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uyezve midziyo yegoridhe neyesirivha yeimba yaMwari yakatorwa naNebhukadhinezari kubva mutemberi muJerusarema akauya nayo kuBhabhironi, inofanira kudzoserwa panzvimbo yayo mutemberi muJerusarema; inofanira kuiswa muimba yaMwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamusoro paizvozvo midziyo yendarama neyesirivha yomumba maMwari iya yakambotorwa naNebhukadhineza muTemberi iri kuJerusaremu ikaendeswa kuBhabhironi inofanira kudzoserwa iendeswe kwakare kutemberi iri Jerusaremu mumwe nomumwe panzvimbo pawaiva muirongedze mumba yaMwari imomo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nemidziyo yendarama nesirivha yeimba yaMwari, yakadeya kutorwa naNebhukadhinezari patemberi paJerusaremu, ikaiswa naye Bhabhironi, ngaidzoswe, iiswezve patemberi iri Jerusaremu, chimwe nechimwe panzvimbo yacho, mugozviisa muimba yaMwari.’
Shona 2009?
Nemidziyo yendarama nesirivha yeimba yaMwari, yakadeya kutorwa naNebhukadhinezari patemberi paJerusaremu, ikaiswa naye Bhabhironi, ngaidzoswe, iiswezve patemberi iri Jerusaremu, chimwe nechimwe panzvimbo yacho, mugozviisa muimba yaMwari.'
Shona SUB 2002 Bible
Nemidziyo yendarama nesirivha yeimba yaMwari, yakadeya kutorwa naNebhukadhineza patemberi paJerusaremu, ikaiswa naye Bhabhironi, ngaidzoswe, iiswezve patemberi iri Jerusaremu, chimwe nechimwe panzvimbo yacho, mugozviisa muimba yaMwari.’