Ezra 6:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋuye ndinoraira ɀamunofanira kuitira ʋakuru aʋa ʋaʋaJuda, kuti imba iyi yaMŋari iʋakwe: Mari yokuʋaka nayo ŋgaitorwe pafuma yamambo, pamutero unoripxa mhiri kworwizi, ikurumidze kupiwa ʋarume aʋo, kuti ʋarege kudziʋiswa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pamusoro pezvo, ndinorayira zvino zvamunofanira kuitira vakuru ava vavaJudha, pakuvakwa kweimba iyi yaMwari: Mari yose inodiwa kuripira varume ava ichabva papfuma yamambo ichibva pamitero inoripwa kubva mhiri kwaYufuratesi, kuitira kuti basa rirege kumira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chimwe ndechokuti ndatotema chirevo chezvinofanira kuitirwa vakuru vakuru vavaJudha maererano nokuvakwazve kwemba yaMwari chokuti mari yacho inodiwapo inofanira kubhadharwa varume ivava yose zvayo yakadaro pasina zvokunonoka ichibva kumari yokwamambo pamutero wenyika yokuMhiri kweRwizi rwaYufuratesi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uye ndinoraira zvamunofanira kuitira vakuru ava vavaJudha, kuti imba iyi yaMwari ivakwe, mari yokuvaka nayo ngaitorwe papfuma yamambo, pamutero unoripwa mhiri kworwizi, ikurumidze kupiwa varume avo, kuti varege kudziviswa.
Shona 2009?
Uye ndinoraira zvamunofanira kuitira vakuru ava vavaJudha, kuti imba iyi yaMwari ivakwe, mari yokuvaka nayo ngaitorwe pafuma yamambo, pamutero unoripwa mhiri korwizi, ikurumidze kupiwa varume avo, kuti varege kudziviswa.
Shona SUB 2002 Bible
Uye ndinoraira zvamunofanira kuitira vakuru ava vavaJudha, kuti imba iyi yaMwari ivakwe, mari yokuvaka nayo ngaitorwe papfuma yamambo, pamutero unoripwa mhiri kwerwizi, ikurumidze kupiwa varume avo, kuti varege kudziviswa.