Ezra 6:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋuye ɀose ɀaʋanoshaiwa, kana nzombe ɗuku, kana makondobge, kana makwaiana, ɀokuita naɀo ɀipiriso ɀinopisirwa Mŋari wokuɗeŋga, kana ɀiyo, kana munyu, kana waini, kana mafuta, seɀinotaura ʋaprista ʋari Jerusarema, ŋgaʋapiwe iɀoɀo zuʋa rimŋe nerimŋe, musiŋgaɗariki;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvose zvinodiwa, dzingava hando duku, makondohwe, namakwayana makono, zvokuita nazvo zvipiriso zvinopiswa kuna Mwari wokudenga, uye gorosi, munyu, waini namafuta, zvinenge zvakumbirwa navaprista muJerusarema, zvinofanira kupiwa kwavari zuva rimwe nerimwe musingadariki,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chose zvacho chinenge chichizodiwa sezvakaita handira dzichiri duku nehondohwe kana hwai dzemipiro yokupisira Mwari Wedenga kunyange koroni nomunyu newaini kana mafuta eorivhi, zvichadiwa zvacho navapristi kuJerusaremu; izvozvi izvi vanofanira kuti vapiwe zuva nezuva pasina zvokukundikana,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uye zvose zvavanoshaiwa, kana nzombe duku, kana makondohwe, kana makwayana, zvokuita nazvo zvipiriso zvinopisirwa Mwari wokudenga, kana zviyo, kana munyu, kana waini, kana mafuta, sezvinotaura vapristi vari Jerusaremu, ngavapiwe izvozvo zuva rimwe nerimwe, musingadariki;
Shona 2009?
Uye zvose zvavanoshaiwa, kana nzombe duku, kana makondobwe, kana makwayana, zvokuita nazvo zvipiriso zvinopisirwa Mwari wokudenga, kana zviyo, kana munyu, kana waini, kana mafuta, sezvinotaura vaprista vari Jerusaremu, ngavapiwe izvozvo zuva rimwe nerimwe, musingadariki;
Shona SUB 2002 Bible
Uye zvose zvavanoshaiwa, kana nzombe duku, kana makondohwe, kana makwayana, zvokuita nazvo zvipiriso zvinopisirwa Mwari wokudenga, kana zviyo, kana munyu, kana waini, kana mafuta, sezvinotaura vapristi vari Jerusaremu, ngavapiwe izvozvo zuva rimwe nerimwe, musingadariki;