Ezra 7:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nesirveri nendarama yose yauŋgawana parutiʋi rwenyika yose yeBabironi, pamŋe cete neɀipo ɀaʋanhu ɀaʋacapa nokuɗa kwaʋo, neɀaʋaprista, ɀaʋacapa imba yaMŋari waʋo iri paJerusarema nomŋoyo yaʋo;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
pamwe chete nesirivha negoridhe rose raungawana kubva kudunhu reBhabhironi, pamwe chetewo nezvipo zvavanhu zvavachapa nokuda kwavo nezvavaprista, zvetemberi yaMwari wavo muJerusarema.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
pamwechete nesirivha nendarama yamuchawana munyika yose yeBhabhironi pamwechetewo nomupiro wokupa zvavanotsidza zvavo kupirira imba yaMwari wavo iri kuJerusaremu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nesirivha nendarama yose yaungawana parutivi rwenyika yose yeBhabhironi, pamwechete nezvipo zvavanhu zvavachapa nokuda kwavo, nezvavapristi, zvavachapa imba yaMwari wavo iri paJerusaremu nomwoyo yavo;
Shona 2009?
nesirivha nendarama yose yaungawana parutivi rwenyika yose yeBhabhironi, pamwechete nezvipo zvavanhu zvavachapa nokuda kwavo, nezvavaprista, zvavachapa imba yaMwari wavo iri paJerusaremu nomoyo yavo;
Shona SUB 2002 Bible
nesirivha nendarama yose yaungawana parutivi rwenyika yose yeBhabhironi, pamwechete nezvipo zvavanhu zvavachapa nokuda kwavo, nezvavapristi, zvavachapa imba yaMwari wavo iri paJerusaremu nomwoyo yavo;