Ezra 7:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ɀino unofanira kukurumidza kuteŋga nemari iyo nzombe, namakondobge, namakwaiana, pamŋe cete neɀipiriso ɀaɀo ɀoʋupfu, neɀinoɗururwa, ugoɀiisa paartari paimba yaMŋari wenyu iri Jerusarema.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nemari iyi unofanira kutenga hando, makondohwe, namakwayana makono, pamwe chete nezvipiriso zvavo zvezviyo nezvinonwiwa, uye mugozvibayira paaritari yetemberi yaMwari muJerusarema.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Munyatsoona kuti nemari iyoyi manyatsotengawo handira nehondohwe nehwayana pamwechete nemipiro yazvo yembesanwa nemipirowo yazvo yokuteura. Munofanira kupira izvozvo paatari yepaimba yaMwari wenyu iri muJerusaremu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
zvino unofanira kukurumidza kutenga nemari iyo nzombe, namakondohwe, namakwayana, pamwechete nezvipiriso zvazvo zvoupfu, nezvinodururwa, ugozviisa paaritari paimba yaMwari wenyu iri Jerusaremu.
Shona 2009?
zvino unofanira kukurumidza kutenga nemari iyo nzombe, namakondobwe, namakwayana, pamwechete nezvipiriso zvazvo zvoupfu, nezvinodururwa, ugozviisa paaritari paimba yaMwari wenyu iri Jerusaremu.
Shona SUB 2002 Bible
zvino unofanira kukurumidza kutenga nemari iyo nzombe, namakondohwe, namakwayana, pamwechete nezvipiriso zvazvo zvoupfu, nezvinodururwa, ugozviisa paatari paimba yaMwari wenyu iri Jerusaremu.