Ezra 7:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ini, iyeni mambo Artashasta, ndinoraira ʋaceŋgeti ʋose ʋefuma mhiri kworwizi, ndiciti: Ɀose Ezra muprista, munyori womurairo waMŋari wokuɗeŋga, ɀaanokumbira kwamuri, ŋgaɀiitwe nokukurumidza,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino ini, Mambo Atazekisesi, ndinorayira vabati vose vehomwe dzemari mhiri kwaYufuratesi kuti mupe nokushingairira zvose zvingakumbirwa naEzira muprista nomudzidzisi woMurayiro waMwari wokudenga,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Zvino ini mambo Atakizesesi ndatemera chirevo vanasahomwe vose vari kunyika yokuMhiri kweRwizi rwaYufuratesi chokuti: chose zvacho chinenge charehwa kwamuri nomupristi vaEzira, nyanzvi yomutemo waMwari wedenga nyatsochiitai nomazvo chaimo;
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ini, iyeni mambo Aritashasita, ndinoraira vachengeti vose vepfuma mhiri kworwizi, ndichiti, ‘Zvose Ezira mupristi, munyori womurayiro waMwari wokudenga, zvaanokumbira kwamuri, ngazviitwe nokukurumidza,
Shona 2009?
"Ini, iyeni mambo Aritashasita, ndinoraira vachengeti vose vefuma mhiri korwizi, ndichiti, `Zvose Ezira muprista, munyori womurayiro waMwari wokudenga, zvaanokumbira kwamuri, ngazviitwe nokukurumidza,
Shona SUB 2002 Bible
“Ini, iyeni mambo Atakizesesi, ndinoraira vachengeti vose vepfuma mhiri kwerwizi, ndichiti, ‘Zvose Ezira mupristi, munyori womurairo waMwari wokudenga, zvaanokumbira kwamuri, ngazviitwe nokukurumidza,