Ezra 7:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino iwe Ezra, nenjere dzaMŋari wako, dzawakapiwa iwe, cigadza ʋatambi ʋemhoȿa, naʋatoŋgi, ʋaŋgatoŋgera ʋanhu ʋose ʋari mhiri kworwizi mhaka dzaʋo, ʋaʋe ʋanhu ʋanoziʋa mirairo yaMŋari wako, ugodzidzisa mumŋe nomumŋe usiŋgaiziʋi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye iwe, Ezira, maererano nouchenjeri hwaMwari wako, hwaunahwo, ugadze vaongorori vemhosva, navatongi kuti vatonge nokururamisira vanhu vose vari mhiri kwaYufuratesi, vose vanoziva mirayiro yaMwari wako. Uye unofanira kudzidzisa vose vasingaizivi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino iwe Ezira maererano noungwaru hwaMwari hwako hwaunahwo, sarudza vokutonga dzimhosva navatongi vakuru vanotongera vanhu vose venyika iri Mhiri kweRwizi rwaYufuratesi, vose zvavo vanoziva mitemo yaMwari wako, vasingaizive wovadzidzisawo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino iwe Ezira, nenjere dzaMwari wako, dzawakapiwa iwe, chigadza vatambi vemhosva, navatongi, vangatongera vanhu vose vari mhiri kworwizi mhaka dzavo, vave vanhu vanoziva mirairo yaMwari wako, ugodzidzisa mumwe nomumwe asingaizivi.
Shona 2009?
"Zvino iwe Ezira, nenjere dzaMwari wako, dzawakapiwa iwe, chigadza vatambi vemhosva, navatongi, vangatongera vanhu vose vari mhiri korwizi mhaka dzavo, vave vanhu vanoziva mirairo yaMwari wako, ugodzidzisa mumwe nomumwe asingaizivi.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino iwe Ezira, nenjere dzaMwari wako, dzawakapiwa iwe, chigadza vatambi vemhosva, navatongi, vangatongera vanhu vose vari mhiri kwerwizi mhaka dzavo, vave vanhu vanoziva mirairo yaMwari wako, ugodzidzisa mumwe nomumwe asingaizivi.