Ezra 7:26 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Aninani, usiŋgaɗi kuita murairo waMŋari wako, nomurairo wamambo, ŋgaakurumidze kupiwa mhaka, kana yorufu, kana yokudziŋgwa, kana yokutorerwa nhumbi dzake, kana yokusuŋgwa mutoroŋgo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ani naani asingateereri murayiro waMwari wako uye nomurayiro wamambo, zvirokwazvo anofanira kurangwa norufu, kana kudzingwa, kana kutorerwa pfuma, kana kuiswa mutorongo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ani naani zvake anongorega chete kuteerera mutemo waMwari wako nomutemo wamambo ngaatongwe zvakaomarara kungave kunzi aurayiwe kana kudzingwa munyika kunyange kunzi atorerwe zvinhu zvake zvaanazvo kana kuiswa muusungwa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ani naani, asingadi kuita murayiro waMwari wako, nomurayiro wamambo, ngaakurumidze kupiwa mhaka, kana yorufu, kana yokudzingwa kana yokutorerwa nhumbi dzake, kana yokusungwa mutorongo.
Shona 2009?
Ani naani, asingadi kuita murayiro waMwari wako, nomurayiro wamambo, ngaakurumidze kupiwa mhaka, kana yorufu, kana yokudzingwa kana yokutorerwa nhumbi dzake, kana yokusungwa mutirongo.
Shona SUB 2002 Bible
Ani naani, asingadi kuita murairo waMwari wako, nomurairo wamambo, ngaakurumidze kupiwa mhaka, kana yorufu, kana yokudzingwa kana yokutorerwa nhumbi dzake, kana yokusungwa mutorongo.