Ezra 7:28 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
iye wakandinzwisa tsitsi pamberi pamambo, napamberi pamakurukota ake, napamberi pamacinda ose anesimba amambo. Ini ndikasimbiswa nokuti ruʋoko rwaJehova Mŋari waŋgu rwakaŋga ruri pamsoro paŋgu, ndikakoka ʋarume ʋakuru pakati paIsraeri, kuti ʋaende neni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye akandiitira nyasha dzake dzakanaka pamberi pamambo namakurukota ake namachinda ake ose ane simba. Nokuti ruoko rwaJehovha Mwari wangu rwakanga rwuri pamusoro pangu, ndikashinga uye ndikakoka varume vaikudzwa pakati pavaIsraeri kuti vaende neni.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
akaita kuti mwoyochena wake usvikewo kwandiri ndionekwewo somunhu namambo namakurukota ake ndionekwewo somunhu nevakuru vakuru chaivo vepamusoro vokwamambo. Zvakabva zvandikurudzirawo nokuti ruoko rwaTenzi Mwari wangu rwaiva pandiri ndikakokorodza varume vechiIsiraeri vakuru vakuru ndikakwira kuenda navo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
iye akandinzwisa tsitsi pamberi pamambo, napamberi pamakurukota ake, napamberi pamachinda ose ane simba amambo. Ini ndikasimbiswa nokuti ruoko rwaJehovha Mwari wangu rwakanga ruri pamusoro pangu, ndikakoka varume vakuru pakati paIsiraeri, kuti vaende neni.”
Shona 2009?
iye akandinzwisa tsitsi pamberi pamambo, napamberi pamakurukota ake, napamberi pamachinda ose ane simba amambo. Ini ndikasimbiswa nokuti ruoko rwaJehovha Mwari wangu rwakanga ruri pamusoro pangu, ndikakoka varume vakuru pakati paIsiraeri, kuti vaende neni."
Shona SUB 2002 Bible
iye akandinzwisa tsitsi pamberi pamambo, napamberi pamakurukota ake, napamberi pamachinda ose ane simba amambo. Ini ndikasimbiswa nokuti ruoko rwaJehovha Mwari wangu rwakanga ruri pamusoro pangu, ndikakoka varume vakuru pakati paIsiraeri, kuti vaende neni.”