Ezra 7:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
uyu Ezra wakaenda acibva Babironi; iye wakaŋga ari munyori wakaŋgwara pamurairo waMosesi, wakaŋga wapiwa naJehova Mŋari waIsraeri; mambo akamupa ɀose ɀaakakumbira, nokuɗa kworuʋoko rwaJehova rwakaŋga ruri pamsoro pake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ezira uyu akauya kubva kuBhabhironi. Akanga ari mudzidzisi aiziva kwazvo Murayiro waMozisi, wakanga wapiwa naJehovha, Mwari waIsraeri. Mambo akanga amupa zvose zvaakanga akumbira, nokuti ruoko rwaJehovha Mwari wake rwakanga rwuri pamusoro pake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ezira wacho iyeyu akasimukawo kubva kuBhabhironi. Akanga ari munyori nyanzvi chaiyo yomutemo waMosesi wakapiwa naTenzi, Mwari weIsiraeri. Mambo akamupa zvose zvaakanga akumbira pamusana pokuti ruoko rwaTenzi, Mwari wake rwaiva paari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
uyu Ezira akaenda achibva Bhabhironi; iye akanga ari munyori akangwara pamurayiro waMosesi, akanga wapiwa naJehovha Mwari waIsiraeri; mambo akamupa zvose zvaakakumbira, nokuda kworuoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pake.
Shona 2009?
uyu Ezira akaenda achibva Bhabhironi; iye akanga ari munyori akangwara pamurayiro waMozisi, akanga wapiwa naJehovha Mwari walsiraeri; mambo akamupa zvose zvaakakumbira, nokuda koruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pake.
Shona SUB 2002 Bible
uyu Ezira akaenda achibva Bhabhironi; iye akanga ari munyori akangwara pamurairo waMosesi, waakanga apiwa naJehovha Mwari waIsiraeri; mambo akamupa zvose zvaakakumbira, nokuda kworuoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pake.